Jobho 22:16-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.

17. Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’

18. Asi ndiye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, saka ndinomira kure namano avakaipa.

19. “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti,

20. ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’

21. “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.

22. Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uise mashoko ake pamwoyo wako.

23. Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchavandudzwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,

24. uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,

25. ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.

26. Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

27. Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika.

28. Zvaunofunga zvichaitwa, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.

29. Vanhu pavanodzikiswa imi mugoti, ‘Vasimudzei!’ ipapo achaponesa vakaraswa.

30. Iye achadzikinura kunyange iye zvake ane mhosva, iye acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”

Jobho 22