Jobho 20:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2. “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.

3. Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.

4. “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,

5. kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.

Jobho 20