Jobho 19:12-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.

13. “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.

14. Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.

15. Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.

16. Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo.

17. Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.

18. Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.

19. Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.

20. Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.

21. “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.

22. Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

23. “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku,

24. dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana ainyorwa padombo nokusingaperi!

Jobho 19