Jobho 12:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?

12. Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13. “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.

14. Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.

15. Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.

16. Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake.

17. Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi.

18. Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka.

Jobho 12