Jobho 11:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?

9. Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhamha kupfuura gungwa.

10. “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?

11. Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?

12. Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara kupfuura kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.

Jobho 11