16. Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakapfuura.
17. Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.
18. Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharingaringa ugozorora murugare.
19. Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20. Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa pokuvanda; tariro yavo ichava yokufa.”