Jobho 10:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ko, mazuva angu haasi ava mashoma kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,

21. ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri worufu,

22. kunyika yerima guru, yomumvuri mukuru worufu nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”

Jobho 10