Jeremia 48:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pamusoro peMoabhu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa. Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa; nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa.

2. Moabhu haichazorumbidzwizve; muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti, ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’ Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro; munondo uchakutevera.

3. Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi, kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru.

4. Moabhu ichaputswa; vanana vavo vacharidza mhere.

5. Vachakwira nomukwidza weRuhiti, vachichema zvikuru pakuenda kwavo; pamateru enzira yokuHoronaimi kuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika.

6. Tizai! Mhanyai noupenyu hwenyu; mufanane negwenzi riri mugwenga.

Jeremia 48