Jeremia 47:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:

2. Zvanzi naJehovha, “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runopa pfuma nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza

3. nokuda kwomutsindo wemahwanda emabhiza, nomutinhiro wengoro dzavavengi, nokurira kwemavhiri adzo. Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo; maoko avo acharembera seakaremara.

Jeremia 47