Jeremia 46:15-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.

16. Vacharamba vachingogumburwa; vachawirana pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’

17. Ikoko vachadanidzira vachiti, ‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete; akatadza kushandisa mukana wake.’

18. “Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa.

19. Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa, imi munogara muIjipiti, nokuti Memufisi ichaitwa dongo, uye ichava dongo risina anogaramo.

20. “Ijipiti itsiru rakaisvonaka, asi vuvo riri kuuya kuzorwisa richibva kumusoro.

21. Varwi vanorwa kuti vapuwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachadzoka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, iyo nguva yokurangwa kwavo.

22. Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namasanhu, savarume vanotema miti.

23. Vachatemera masango aro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapinduki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki.

24. Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”

25. Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro.

26. Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 46