1. “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve,
2. kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”
3. Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:“Zviundirei gombo idzva murege kudyara pakati peminzwa.
4. Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima.