Jeremia 34:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “ ‘Asi chinzwa chivimbiso chaJehovha, iwe Zedhekia mambo weJudha. Zvanzi naJehovha pamusoro pako iwe: Haungafi nomunondo;

5. uchafa murunyararo. Vanhu sezvavakavesa moto pamariro vachiremekedza madzibaba ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachavesa moto vachikuremekedza vagochema vachiti, “Yowe-e, nhai tenzi!” Ndini pachangu ndavimbisa izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”

6. Ipapo muprofita Jeremia akataurira Zedhekia mambo weJudha zvose izvi, ari muJerusarema,

7. hondo yamambo weBhabhironi payakanga ichirwa neJerusarema namamwe maguta eJudha akanga achakashingirira, Rakishi neAzeka. Aya ndiwo chete maguta akanga asara muJudha akakomberedzwa namasango.

8. Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokunge Mambo Zedhekia, aita sungano navanhu vose vemuJerusarema kuti vadanidzire kusunungurwa kwenhapwa.

9. Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa.

Jeremia 34