Jeremia 33:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwunoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

14. “ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.

15. “ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.

16. Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: ‘Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’

17. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri,

Jeremia 33