Jeremia 31:23-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Pandichavadzosazve pakutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’

24. Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

25. Ndichasimbisa vanenge vaneta nokugutsa vanenge vaziya.”

26. Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.

27. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.

28. Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, nokuwisira pasi, nokuparadza, nokuuyisa njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake nokusima,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29. “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’

30. Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.

31. “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.

Jeremia 31