Jeremia 31:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”

2. Zvanzi naJehovha, “Vanhu vakapukunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”

3. Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti, “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.

Jeremia 31