Jeremia 30:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Unochemeiko pamusoro pevanga rako nokurwadziswa kwako kusingarapike? Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji ndakaita zvinhu izvi kwauri.

16. “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo; vavengi vako vose vachaenda muutapwa. Vanokupamba, vachapambwawo; vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.

17. Asi iwe ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’

18. “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho uye ndigonzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.

19. Nziyo dzokuvonga nenzwi romufaro zvichabva kwavari. Ndichawedzera kuwanda kwavo, uye havangatapudzwi; ndichavavigira kukudzwa, uye havangadukupiswi,

Jeremia 30