16. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha.
17. Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’
18. Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha, kuti aone kana kunzwa shoko rake? Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?
19. Tarirai, dutu raJehovha richaputika nehasha, chamupupuri chichimonera pamisoro yavakaipa.
20. Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.
21. Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita.
22. Asi dai vakamira parangano yangu, vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu, uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa, napamabasa avo akaipa.
23. “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure?
24. Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.