12. Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
13. Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
14. Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?
15. Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari.
16. Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.
17. Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?