Jeremia 19:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ndichaita kuti vadye nyama yavanakomana vavo neyavanasikana vavo, uye nyama yomumwe nomumwe wavo panguva yokurema kwokukombwa kunenge kwaiswa pamusoro pavo navavengi vavo vanotsvaka kuvauraya.’

10. “Ipapo uputse chirongo vaya vanoenda newe vakatarisa,

11. ugoti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: Ndichaputsa rudzi urwu neguta rino sokuputsika kwechirongo chemuumbi wehari uye hachingagoni kugadzirwazve. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.

12. Izvi ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino nokuna vose vanogara muno, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichaita guta rino seTofeti.

13. Dzimba dziri muJerusarema nedzamadzimambo eJudha dzichasvibiswa senzvimbo ino, Tofeti, dzimba dzose dzaivaipisira zvinonhuwira pamatenga adzo vachipisira hondo dzenyeredzi dzose dzokudenga nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvokunwa.’ ”

Jeremia 19