1. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende!
2. Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’
3. “Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye nokuparadza.
4. Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha.
5. “Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndianiko achakuchemera? Ndianiko achamira achikubvunza mufaro?
6. Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Unoramba uchidzokera shure. Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza; handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi.
7. Ndichavarudza neforogo yokurudzisa, pamasuo eguta renyika. Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu, nokuti havana kushandura nzira dzavo.
8. Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa uye kutya.