Isaya 7:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati,

11. “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.”

12. Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”

13. Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here?

Isaya 7