Isaya 65:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. “Mariri hamungazovizve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa.

21. Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.

22. Havachazovakizve dzimba dzinozogarwa, navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo.

23. Havachazobatiri pasina kana kubereka vana vanoparadzwa; nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha, ivo nezvizvarwa zvavo.

Isaya 65