6. Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu; izvozvo, ndiwo mugove wenyu. Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri, uye ukapa chipiriso chezviyo. Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?
7. Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu; ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.
8. Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako wakaisa chirangaridzo chavamwari vako. Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako, wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo; wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda, uye wakatarisa kusasimira kwavo.
9. Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko!
10. Wakaneteswa nenzira dzako dzose, asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’ Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako, nokudaro hauna kuziya.