Isaya 48:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.

15. Ini, iyeni ndataura; hongu, ndamudana. ndichauya naye, uye achabudirira pane zvaanotumwa.

16. “Swederai kwandiri muteerere izvi:“Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande; panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.”Uye zvino Ishe Jehovha andituma, noMweya wake.

17. Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri,“Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.

18. Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa.

19. Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.”

20. Ibvai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”

Isaya 48