Isaya 46:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama; zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro. Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema, mutoro pazvipfuwo zvakaneta.

2. Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.

Isaya 46