Isaya 43:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.

5. Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira.

6. Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,

7. vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”

8. Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi.

9. Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”

10. “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.

Isaya 43