Isaya 35:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.

6. Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga.

7. Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva, ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura. Maigara makava noumo maaimbovata, muchamera uswa, netsanga nenhokwe.

8. Ipapo pachava nomugwagwa; uchanzi Nzira yoUtsvene. Vane tsvina havangazofambi mairi; ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo; vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.

9. Hapangavi neshumba ipapo, kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo. Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo,

Isaya 35