Isaya 35:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva,

2. richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu.

3. Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera;

4. muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.”

5. Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.

6. Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga.

Isaya 35