1. Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva,
2. richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu.
3. Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera;
4. muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.”