Isaya 34:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Minzwa ichatandira nhare dzayo, utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa. Ichava ugaro hwamakava, nomusha wamazizi.

14. Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere, uye ngururu dzichadaidzirana; zvikara zvousiku zvichazororapo, uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.

15. Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo, richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro; makondo achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro.

16. Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.

17. Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi.

Isaya 34