20. Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso enyu achaona Jerusarema, ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi; mbambo dzaro hadzingadzurwi, kana mabote aro kudamburwa.
21. Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri. Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova. Magwa anokwasviwa haangasvikiko, uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri.
22. Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye anotipa murayiro, Jehovha ndiye mambo wedu; ndiye achatiponesa.
23. Mabote ako ava dembutembu: Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe, sairi harina kutambanudzwa. Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa, uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa.
24. Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,” uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa.