Isaya 32:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.

8. Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.

9. Imi vakadzi munoti mugere zvakanaka, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana vasina hanya, inzwai zvandinoreva!

10. Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti mugere zvakanaka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.

11. Dederai, imi vakadzi munoti mugere zvakanaka; hutai, iyemi vanasikana vasina hanya! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.

12. Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,

Isaya 32