Isaya 31:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri.

7. Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

8. “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu; munondo, kwete wavanhu, uchavapedza. Vachatiza pamberi pomunondo uye majaya avo achaiswa kuchibharo.

9. Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya; vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,”ndizvo zvinotaura Jehovha, ane moto wake paZioni murazvo wake uri muJerusarema.

Isaya 31