6. Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri.
7. Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.
8. “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu; munondo, kwete wavanhu, uchavapedza. Vachatiza pamberi pomunondo uye majaya avo achaiswa kuchibharo.
9. Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya; vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,”ndizvo zvinotaura Jehovha, ane moto wake paZioni murazvo wake uri muJerusarema.