Isaya 30:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. vanoenda kuIjipiti vasina kundibvunza; vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro, vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti.

3. Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu, mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa,

4. kunyange vaine machinda muZoani uye nhume dzavo dzasvika muHanesi,

5. mumwe nomumwe wavo achanyadziswa nokuda kwavanhu vasina betsero kwavari, vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro, asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.”

Isaya 30