14. Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari, yakaputswa noutsinye zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara, chokugoka mazimbe omoto pachoto kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.”
15. Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri, “Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu, murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu, asi imi makaramba chimwe chazvo.
16. Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo!
17. Chiuru chimwe chete chichatiza nokuvhundutsa kwomumwe chete; imi mose muchatiza kuvhundutsa kwavashanu, kusvikira masara maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo, kuita somureza pamusoro pechikomo.”
18. Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira!
19. Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Iye achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.
20. Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu.
21. Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”
22. Ipapo muchasvibisa zvifanananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”
23. Iye achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka.