Isaya 30:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Vane nhamo vana vakasindimara,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu, vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu, vachiunganidza chivi pamusoro pechivi;

2. vanoenda kuIjipiti vasina kundibvunza; vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro, vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti.

3. Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu, mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa,

Isaya 30