Isaya 24:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.

9. Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.

10. Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.

11. Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.

12. Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa.

13. Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.

14. Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.

15. Naizvozvo kumabvazuva mberi kuna Jehovha; kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri, pazviwi zvegungwa.

16. Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti: “Ngaakudzwe iye Akarurama.”Asi ini ndakati, “Ndarukutika, ndarukutika! Ndine nhamo! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”

17. Kutya negomba zvakakumirirai, imi vanhu vapanyika.

Isaya 24