4. Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”
5. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, ane zuva renyonganyonga nerokutsikira pasi nokutyisa muMupata woKuratidza, zuva rokukoromorera masvingo pasi nerokudanidzira kumakomo.
6. Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo.
7. Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;
8. kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa.Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango;