Isaya 15:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kurira kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.

9. Mvura yapaDhimoni yakazara neropa, asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni, shumba pamusoro pavatizi veMoabhu uye napamusoro pavaya vakasara munyika.

Isaya 15