Isaya 10:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi izvi handizvo zvaanoda, izvi handizvo zvaanga achifunga; vavariro yake ndeyokuparadza, kupedza chose marudzi mazhinji.

8. Iye anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?

9. Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here? Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi, uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?

10. Ruoko rwangu sezvarwasvikira umambo hwezvifananidzo, umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,

11. ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ”

12. Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake.

13. Nokuti iye anoti,“Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo.

14. Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.”

15. Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!

16. Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose, achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta; pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa kufanana nemirazvo inopfuta.

Isaya 10