Isaya 1:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.

29. “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza.

30. Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura.

31. Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”

Isaya 1