28. Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.
29. “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza.
30. Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura.
31. Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”