5. Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.
6. Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.
7. Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada,
8. Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovatsemura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura.
9. “Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.
10. Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?