Hosea 11:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.

2. Asi pandakanyanya kuvadana, ivo vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuwira kuzvifananidzo.

3. Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, ndichivasesedza namaoko avo; asi havana kuzvicherechedza kuti ndini ndakavarapa.

Hosea 11