5. Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.
6. Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.
7. Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura.
8. Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”
9. “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, uye ukarambirapo. Hondo haina kukunda vaiti vezvakaipa paGibhea here?
10. Nenguva yandinoda ndichavaranga; ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise nokuvaisa muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri.
11. Efuremu itsiru rakapingudzwa rinofarira kupura; saka ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka. Ndichatinha Efuremu, Judha anofanira kurima, uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho.
12. Zvidyarirei kururama, kohwai chibereko chorudo rusingaperi, mugorima gombo renyu; nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira auya kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.
13. Asi makarima uipi, mukacheka zvakaipa, mukadya zvibereko zvounyengeri, nokuti makavimba nesimba renyu uye navarwi venyu,