Hosea 10:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa.

2. Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa.

3. Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange dai taiva namambo, angadai akatiitireiko?”

4. Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.

Hosea 10