Genesisi 9:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa.

21. Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake.

22. Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza vanun'una vake vaiva panze.

23. Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.

Genesisi 9