Genesisi 49:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, wakakwira panhoo yangu uye ukaisvibisa.

5. “Simeoni naRevhi mukoma nomunun'una, minondo yavo zvombo zvokurwa.

6. Ngandirege kupinda parangano yavo, ngandirege kuva paungano yavo, nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo uye vakagura marunda enzombe sezvavaida.

Genesisi 49