30. bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamuri muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda.
31. Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo.
32. Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.”
33. Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake uye akasanganiswa navanhu vokwake.