6. uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakaisvonaka yenyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”
7. Ipapo akapinza baba vake Jakobho akavaendesa pamberi paFaro. Shure kwokuropafadzwa kwaFaro naJakobho,
8. Faro akavabvunza akati, “Mava namakore manganiko?”
9. Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.”
10. Ipapo Jakobho akaropafadza Faro akabva pamberi pake.
11. Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakaisvonaka renyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro.
12. Josefa akapa baba vake namadzikoma ake navose veimba yababa vake zvokudya, zvakaenzana nouwandu hwavana vavo.
13. Kunyange zvakadaro, kwakanga kusina zvokudya munyika yose nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzakaziya nokuda kwenzara.
14. Josefa akaunganidza mari yose yaiwanikwa muIjipiti neKenani yomuripo wezviyo zvavaitenga, uye akaenda nayo kumuzinda waFaro.
15. Mari yavanhu veIjipiti nevokuKenani yakati yapera, vanhu veIjipiti yose vakauya kuna Josefa vakati, “Tipei zvokudya. Tofireiko pamberi penyu? Mari yedu yapera.”
16. Ipapo Josefa akati, “Uyai nezvipfuwo zvenyu. Ndichakutengeserai zvokudya ndichitsinhanisa nezvipfuwo zvenyu, sezvo mari yenyu yapera.”
17. Saka vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa, uye iye akavapa zvokudya achitsinhanisa namabhiza avo, makwai nembudzi dzavo, mombe nembongoro dzavo. Uye akavabudisa mugore iro nezvokudya zvokutsinhana nezvipfuwo zvavo zvose.
18. Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari mugore rakatevera vakati, “Hatingavanziri ishe wedu chokwadi chokuti sezvo mari yedu yakapera uye zvipfuwo zvedu zvava zvenyu, hapasisina chasara chatingapa ishe wedu kunze kwemiviri yedu nenyika yedu.
19. Tichafireiko pamberi penyu, isu nenyika yeduwo? Titengei isu nenyika yedu titsinhane nezvokudya, uye isu nenyika yedu tichava varanda vaFaro. Tipeiwo mbeu kuitira kuti tirarame uye tirege kufa, uye kuti nyika irege kuparara.”