Genesisi 45:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.

8. “Saka zvino, hamuzimi makandituma kuno, asi Mwari. Iye akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose.

9. Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka.

Genesisi 45